8 Jefferson Road, Hatfield, Harare, Zimbabwe

Songs

Basa rakafanira kuitwa – Paul Mwazha | The African Apostolic Church

Nyika ino ichatongwa – Paul Mwazha | The African Apostolic Church Basa rakafanira kuitwa kuparidza kukosha kwezita raJesu!  

Tidzidzisei Mudzidzisi – Paul Mwazha | The African Apostolic Church 2015

Tidzidzisei Mudzidzisi – Paul Mwazha | The African Apostolic Church 2015

Ini ndadzoka kwamuri Baba – Luke 15:11-32

Ini ndadzoka kwamuri Baba Ini ndadzoka ndive somuranda Ini ndadzoka kumusha Baba Ndibatei somuranda Iyo Nhaka pfuma yeupenyu Yakatange nayo kure kure Akaidya pamwe neshamwari Yakapedzwa nezvipfeve Pfuma yose yakati yapera Zano zvose mufaro zavapera Akafunga zvokutsvaga basa Akawana renguruve Kudya kwakwe, kudya kwenguruve Nzara nhamo zvomumanikidza Zviri nani ndidzoke […]

Ngatimukudze Mambo Jesu (Let’s Praise King Jesus)

The African Apostolic Church is led by Paul Mwazha of Africa

Tsemura Makomo Ishe Jesu

Tsemura makomo Saint Pauro, tsemura tipinde Mabvazuva rakanga rava gungwa Mavirazuva rakanga rava gomo Inzwi rikati wasvika panzvimbo yenyasha Ishe Jesu tsemura makomo Mabvazuva pakavakwa imba yedombo Mabvazuva iriko imba yedombo Mabvazuva iriko imba yedombo Ishe Jesu tsemura makomo, tsemura tipinde Mambo Jesu vakaonekwa naPauro Mambo Jesu vakaonekwa ari mudombo […]

Wakasika Zvose Zvinhu (Hymn 10)

Wakasika zvose zvinhu, Iwe Mwari woga Pasina wakayamura, Kuzviita kwako Aya Makomo amire, Akasikwa newe, Akamira akasimba, Nokutsigwa newe Nayo Mvura yatinonwa, Takapiwa newe. Nako kudya kwatinodya, Takapiwa newe. Wakasika vanhu iwe, Nokufana newe, Ukavapa zvinhu zvose, Zvikavakodzera. Kwasvika muvengi wavo, Akavabvutira, Vakusiya iwe Mwari, Vakanzwa izwi rake. Wakati kuvaponisa, […]

slide

Zadzisa Chirevo (Hymn 12)

Zadzisa chirevo chako, Mwari, Ishe wechokwadi Ose marudzi enyika  Ngaawane ruponiso.   Namabvi kunei nyika Ngaapfugame panewe Dzidzamare dzose ndimi  Dzireve ukuru hwako.   Tonga, Tonga, Ishe Jesu!  Kuuya newe kufara,  Nezvikanganiso zvedu  Yatadzika yose nyika.   Tarira nyika yokwedu,  Urege kuipa kwayo  Urege kutsamwa kwako  Isingafi mhuri yayo.   Ramba Ishe tisazvidza Zvidzidziso zvezwi rako;  Ugozotimutsirira  Tinzwe nechokwadi chako