Ini ndadzoka kwamuri Baba
Ini ndadzoka ndive somuranda
Ini ndadzoka kumusha Baba
Ndibatei somuranda
Iyo Nhaka pfuma yeupenyu
Yakatange nayo kure kure
Akaidya pamwe neshamwari
Yakapedzwa nezvipfeve
Pfuma yose yakati yapera
Zano zvose mufaro zavapera
Akafunga zvokutsvaga basa
Akawana renguruve
Kudya kwakwe, kudya kwenguruve
Nzara nhamo zvomumanikidza
Zviri nani ndidzoke kumusha
Ndino shanda somuranda
Vakamuziva achiri kure
Vakamhanya kumuchingamidza
Aiwaka vakafara kwazvo
Nemisodzi yerufaro
Vakatora Mhuru kuuraya
Vakatanga kuita mutambo
Vakadana hama neshamwari
Kufarira murashiki
[A Song from the Parable of The Lost Son – Luke 15:11-32]
Follow us on your Preferred Social Media Platform
Hareruya.*Vongai Jehovha,nokuti wakanaka;Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.MAPISAREMA 106:1
Amen
thank you :how about ma lyrics e song yekuti nzvimbo itsvene bvisai shangu
Nzvimbo itsvene bvisai shangu Jesu Wauya [The place is Holy, remove your shoes. Jesus has come]
Rakayerera ropa raJesu, Rakayerera ropa romwanakomana [Jesus blood was shed. The Son of Man blood was shed]
Rakayerera ropa kusunungura zvivi [Blood was shed for the forgiveness of sin]
Rakayerera ropa pamuchinjikwa [Blood was shed on the cross]
Watch the Video Here – https://theafricanapostolicchurch.wordpress.com/2015/01/09/nzvimbo-itsvene-bvisai-shangu-jesu-wauya-the-place-is-holy-remove-your-shoes-jesus-has-come/
Vaapostora vose ngavati,ngoni dzake dzinogara nokusingaperi