Kudza Jehovah Mukuru (Hymn 160)
Kudza Jehovah mukuru!
Kurumbidzai mose!
Wakatipa gore idzva
Wakakurumbidzwa
Wakatichengeta Iye
Gore rapfuura
Tose tiri mberi kwako
Nezvipiko zvedu
Tinotenda Mwari Baba
Nedzo tsitsi dzako
Tinozvipa Kwauri
Neyo mwoyo yedu
Tinoda kurumbidza
Namabasa edu
Toda kutevera Jesu
Tiende kudenga
Dzose nguva dzatinadzo
Dzive dzako Ishe
Namasimba edu ose
Apirwe kwauri
Kudzamarare uuye
Jesu namakore
Negore rakanakisa
Guru rokudenga.
Watinotenda ndiye Jehova jire wakakwidzwa pagomo reMoria,ndiwe mweya mukurukuru wakauya kuzoita ugaro hwako mune ino nyika ,jehova mufudzi hama nomuchengeti .ndiwe mhinduro kumibvunzo yose!!!
yes,Jehiovha ngaakudziwe munyika dzose dzepasirose sezvaakamboitwa paJerusarema.
mufudzi wawa muchengeti
Mwari wakatuma Paul Mamvura Mwazha ngaatendwe nokuti gore rapfuura nokutenda wakatichengeta, iwe neni!
Evhangeri iyi youshe icaparidzirwa kunyika dzose .cive capupu kumarudzi ose ipapo kuguma kucasvika.