8 Jefferson Road, Hatfield, Harare, Zimbabwe

Zadzisa Chirevo (Hymn 12)

Zadzisa chirevo chako,
Mwari, Ishe wechokwadi
Ose marudzi enyika 
Ngaawane ruponiso.
 
Namabvi kunei nyika
Ngaapfugame panewe
Dzidzamare dzose ndimi 
Dzireve ukuru hwako.
 
Tonga, Tonga, Ishe Jesu! 
Kuuya newe kufara, 
Nezvikanganiso zvedu 
Yatadzika yose nyika.
 
Tarira nyika yokwedu, 
Urege kuipa kwayo 
Urege kutsamwa kwako 
Isingafi mhuri yayo.
 
Ramba Ishe tisazvidza
Zvidzidziso zvezwi rako; 
Ugozotimutsirira 
Tinzwe nechokwadi chako
Zadzisa
Follow us on your Preferred Social Media Platform

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *